menu-iconlogo
logo

Mwana WaMambo

logo
Liedtext
Mwana waMambo akachengetwa nehondo

Anenge ruva riri pasanzu rinobaya

Kana womupfimba, wopfimba wakaringe nzira

Nekuti hondo inouya uripo

Wakanotora wega mbeu yehuMambo

Vachazokubvunza zuva remuripo

Kana womupfimba, wopfimba wakaringe nzira

Nekuti hondo inouya uripo

Ende haudzirote dzinorota vamwe haudzirote

Uchatokungurutsa dombo reGoridhe

Ukadzamba dzamba (zvaoma)

Ukandandama (zvaoma)

Ukatsenga mukanwa (zvaoma)

Iwe vanokanda miseve (zvaoma)

Ende hauridye rinopisa hauridye

Uchatokungurutsa dombo reGoridhe

Ukadzamba dzamba (zvaoma)

Ukandandama (zvaoma)

Ukatsenga mukanwa (zvaoma)

Iwe vanokanda miseve (zvaoma)

Washinga kudongorera mwana waMambo

Woshuva kusanganiswa nehumambo

Hmm wadenha mangwiro, wadenha hombiro

Haikona kuzemberana nemwana waMambo

Washinga kudongorera mwana waMambo (njeere kunje)

Woshuva kusanganiswa nehumambo (njere kunje)

Wadenha mangwiro, wadenha hombiro (njeere kunje)

Haikona kuzemberana nemwana waMambo (njeere kunje)

Wakanzi mwanasikana usabude mudendere

Muzunde raMambo mungamuke tsekwende

Mambo kwindima, mwanasikana kwindima

Haa kwindima, muromo mumhuno kwindima

Wakanzi mwanasikana usabude mudendere

Muzunde raMambo mungamuke tsekwende

Mambo kwindima, mwanasikana kwindima

Haa kwindima, muromo mumhuno kwindima

Nyemwerera mwana mutema

Tione saka nemeno machena aya

Chinguri ndakabviro kanda shoko rerudo (aah, aah) rerudo (aah, aah)

Hoo, nyemwerera mwana mutema

Tione saka nemeno machena

Chinguri ndakabviro kanda shoko rerudo (aah, aah) rerudo (aah, aah)

Ndini uyo, inzwai mukoma ndini uyo

Chengeta muhana usareve nemuromo

Ndafunga kufamba mudima, musina anoronda

Ndafunga kupotera pamuzinda waMambo

Ha, ndini uyo, inzwai mukoma ndini uyo

Chengeta muhana usareve remuromo

Ndafunga kufamba mudima musina anoronda

Ndafunga kupotera pamuzinda waMambo

Ende haudzirote dzinorota vamwe, haudzirote

Uchatokungurutsa dombo reGoridhe

Ukadzamba dzamba (zvaoma)

Ukandandama (zvaoma)

Ukatsenga mukanwa (zvaoma)

Iwe vanokanda miseve (zvaoma)

Ende hauridye rinopisa, hauridye

Uchatokungurutsa dombo reGoridhe

Ukadzamba dzamba (zvaoma)

Ukandandama (zvaoma)

Ukatsenga mukanwa (zvaoma)

Iwe vanokanda miseve (zvaoma)

Ndapfidza, ndakadarika mwero ndapfidza (tiri muchirangano)

Ndabvunza (chirangano)

Kuna Mwari akasika (tiri muchirangano)

Takabvumirana (chirangano)

Tichagara kwemakore zana (tiri muchirangano)

Vakabatikana (chirangano)

Changamire vakabatikana (tiri muchirangano)

Ndapfidza, ndakadarika mwero ndapfidza (tiri muchirangano)

Ndabvunza (chirangano)

Kuna Mwari akasika (tiri muchirangano)

Takabvumirana (chirangano)

Tichagara kwemakore zana (tiri muchirangano)

Vakabatikana (chirangano)

Changamire vakabatikana (tiri muchirangano)

Haa ndapfidza, ndakadarika mwero ndapfidza (tiri muchirangano)

Ndabvunza (chirangano)

Kuna Mwari akasika (tiri muchirangano)

Takabvumirana (chirangano)

Tichagara kwemakore zana (tiri muchirangano)

Vakabatikana (chirangano)

Changamire vakabatikana (tiri muchirangano)

Ndapfidza, ndakadarika mwero ndapfidza (tiri muchirangano)

Ndabvunza (chirangano)

Kuna Mwari akasika (tiri muchirangano)

Takabvumirana (chirangano)

Tichagara kwemakore zana (tiri muchirangano)

Vakabatikana (chirangano)

Changamire vakabatikana (tiri muchirangano)

Mwana WaMambo von Jah Prayzah - Songtext & Covers